03 Oct 25
Gurukota rinoona nezvematunhu nekuendeswa kwemasimba kudunhu reMidlands vaOwen Ncube vakagashidza midziyo nemichina yekurima kune vechidiki pasi pechirongwa chePresidential Youth Empowerment Scheme ,musi wa1 Gumiguru 2025 muguta reGweru.
Mumashoko avo pakugashidzwa kwemidziyo iyi vaNcube vakati ivo vanofara kwazvo sezvo chiitiko ichi uri mucherechedzo wekuzvipira kwehurumende kutsigira mabasa ekurima pamwe nemabasa evechidiki.
‘’Ndine mufaro mukuru kuti nditaure nemi nhasi pachiitiko ichi chakakosha chekupihwa kwematarakita 8, magejo 2, mabhoom sprays 7, maplanter matatu, madhisiki 6 uye karavhani imwe kuvarimi vechidiki vasere mudunhu reMidlands pasi pechirongwa chePresidential Youth Empowerment Scheme.’’
‘’ Chiitiko chanhasi chinoratidza kuzvipira kweNew Dispensation mukugadzira michina yekurima, kugadzira kurima, kuwanisa vanhu mabasa uye kuvandudza raramo yevagari vekumaruwa pasi pechirongwa cheRural Development 8.0 ‘’
‘’Mabiko aya ekupa rubatsiro anoratidza chiitiko chakakosha murwendo rwedu rwese rwekukurudzira nharaunda dzekumaruwa. Panyaya iyi, dunhu reMidlands rinorumbidza Mutungamiriri weZimbabwe, Cde Dr E.D. VaMnangagwa, vakatanga zvirongwa zvekusimudzira vechidiki izvo zvakaratidzwa kuburikidza nekugoverwa kwevhu pasi pechirongwa chePresidential Heifer Programme, mastarter packs evechidiki vakapedza zvidzidzo zveYouth Service in Zimbabwe, Presidential fisheries, kusanganisirwa nemari kuburikidza neEmpower Bank pamwe nekuvapinza muzvinzvimbo zvakakosha zvehutungamiriri zvinosanganira makanzuru, Paramende neParastatal Boards.’’
'Zvirongwa izvi zvinofambirana negwara redu reNational Vision pamwe neUnited Nations Sustainable Development Goal Number 1 paKusina Hurombo - izvo zvinopupura kusimudzirwa kwemararamiro anoenderera mberi - pamwe neChinangwa 8 chinosanganisa kuwaniswa kwemabasa akanaka uye kusimudzira hupfumi hwenyika.'
‘’Ndinoda kukorokotedza vakabatsirikana nechirongwa chePresidential Youth Empowerment Scheme. Midziyo iyi inofanirwa kuturikira mukugadzirwa kwakawanda nekubudirira, kunyanya panguva iyo Mutungamiriri wenyika akapa basa matura ezviyo 56 000 MT muKwekwe, uye akawanda anotarisirwa kuvakwa mune mamwe matunhu.’’ Vakadaro vaNcube.