14 Nov 25
Dunhu reMidlands ndiro rine vanhu vazhinji vari kusangana nedambudziko rekurumwa neimbwa munyika zvichienzaniswa nemamwe matunhu.
Bazi rinoona nezveutano rakazivisa kuti pasvondo rakaguma musi wa2 Mbudzi 2025 , vanhu mazana matanhatu nemakumi mashanu nevashanu vakarumwa neimbwa nyika yose.
Mudunhu reMidlands une vanhu zana nevatanhatu vakarumwa neimbwa ,richiteverwa neMashonaland West uko kune vanhu zana nevashanu vakarumwa.
Chikamu chinosvika makumi matanhatu cheimbwa dzakaruma vanhu hadzivivikanwi zvimiro zvadzo zvokudzivirirwa kwadzo kuzvirwere (vaccination).
Kubva pakuvamba kwegore vanhu zviuru makumi maviri nezvitatu nemazana matanhatu nevasere vakarumwa neimbwa uye vanhu vatatu vakashaya.
Posted on:07 Aug 2025
Posted on:11 Feb 2025
Posted on:22 Nov 2024
Posted on:02 Jul 2024
Posted on:06 Feb 2024
Posted on:21 Nov 2023
Posted on:16 Nov 2023
Posted on:05 Jun 2023
Posted on:14 Dec 2022
Posted on:01 Nov 2022