Vadzidzi chiuru nemazana matanhatu vakapedza zvidzidzo paKwekwe Polytechnic


06 Aug 25

Click here to watch video

Vadzidzi vanosvika chiuru nemazana matanhatu vakapedza zvidzidzo zvakatsaukana pakoreji yeKwekwe Polytechnic.

Zvinotevera gungano rekupemberera kupedza zvidzidzo rakaitirwa pakoreji iyi musi wechishanu 1 Nyamavhuvhu 2025.

Gurukota rinomirira mutungamiri wenyika nekugoverwa kweupfumi mudunhu reMidlands vaOwen Ncube vakati ivo vanoda kutenda vadzidzi nekuzvipira kwavo kuvandudza dzidzo izvo zvinozadzikisa hurongwa hwehurumende hwe National Development Strategy 1 (NDS1) kuitira kuti pagove neruzivo runosimudzira magariro nemararamiro evanhu kusvika mugore ra2030.

Hurumende iri kukurudzira kuvandudzwa kwedzidzo kuti kuve kuchidyidzana nekuvandudzwa kwezvigadzirwa nemakambani.

’’ Ndinoda kutenda Kwekwe Polytechnic nekusviisa panzvimbo yakakodzera yekusandura zivo kuti zvive zvinhu zvinobatika zvichibatsira nharaunda nemudunhu reMidlands umo munoitwa zvekuchera ,kurima,kuvaka ,kugadzira zvigadzirwa pamwe nezvekushanya’’ vakadaro vaNcube.

Mukuru wekoreji iyi vaEvans Musara vakati ivo pane makambani mashanu akavambwa uye ari kutungamirwa nevadzidzi vakabva pakoreji iyi.

Mutevedzeri wegurukota rebazi reHigher and Tertiary Education, Innovation, Science and Technology Development, vanoremekedzwa Simelisizwe Sibanda vakakurudzira kuti yave nguva yekuti ruzvivo rwe Artificial Intelligence rushandiswe kuitira kuvandudza mabasa nezvigadzirwa kufambirana nesanduko iri irikuitika pasi rose.


Jeffreymib

14 Aug 2025 05:25 PM

https://t.me/s/onewin_kanal