VaNcube vakafarira budiriro yezvivakwa muguta reKwekwe


20 Jan 26

Click here to watch video

Gurukota rinomirira mutungamiri wenyika nekugoverwa kwehupfumi mudunhu reMidlands vaOwen Ncube vakati ivo vari kufara nebudiriro yezvivakwa muguta reKwekwe.

Vakataura mashoko aya musi weMuvhuro 19 Ndira 2026 apo vakashanyira zvivakwa zvitsva zvakavakwa muguta iri.

Zvimwe zvezvivakwa zviri muguta zvakashanyirwa negurukota iri zvinosanganisira magaraji emafuta Juden ne GTS apo pano gezeserwa motikari kugadzirwa kwemavhiri pamwe nezvitoro zvinotengesa zvekudya , chivakwa cheChahwanda Complex icho chakatanga kuvakwa mugore ra 2024 ,chakapera kuvakwa mugore ra 2025 chine dzimba dzemuturikidzwa dzisanganisira zvitoro makumi maviri nemahofisi gumi.

Edith Medical Centre chipatara chine mibhedha makumi mana uye chine mishina yemhando yepamusoro inoshandiswa kuvheneka nekurapa varwere ,panewo nzvimbo yekutengesera mishonga nana mazvikokota vezvirwere zvakatsaukana.

VaNcube vakazoshanyirawo musha weMbizo 18 uko kune nzvimbo yekuvakira dzimba dzinogara veruzhinji.

VaNcube vakapembedza budiriro iri kuitika muguta iri uye vakakurudzira kuti kanzuru iyi iyenderere mberi nokuvandudza mabasa ayo kuburikidza nekuwanisa nzvimbo dzekuvakira dzakagadzirwa zvakanaka uye nemutengo wakaderera zvinova zviri kuenderana nemuono wemutungamiri wenyika nehurongwa hwe National Development Strategy 2.