Sanganai nemuimbi Advokate I


24 Jul 25

Click here to watch video

Munyori: Tonderai Mari

Zita rangu rekuzvarwa naro ndinonzi Gabriel Muchanyu, asi rekuimbisa rakandakazozvipawo ndinoitwa Advokate I zvinomiririra kuti gweta revanhu.

Ndakaberekwa musi wa22 Chivabvu mugore ra1995 kuchipatara cheMpilo kuBulawayo.

Ndakakurira kuTorwood muRedcliff uye ndakadzidza danho repuraimari pachikoro cheGeorge Hill nesekondari pachikoro cheBatanai High.

Munzvimbo yandakakurira nekwandaitambira kwainyanyoridzwa misambo yeDancehall neRaggie.

Ndainzwa vaimbi vaisanganisira yaAntony B ,Turbulence ,Shawn Paul nevamwe vakatsaukana avo vaive nemimhanzi yakaita mukurumbira kumakore ekuma 2000 kubva ku Jamaica.

Panguva iyoyo handina kumbofungira kuti ndaizove muimbi rimwe zuva ,asi ndaingofarira munhanzi.

Ndiri kuPuraimari ndayiona vamwe vayiimba pamaRoad show ,uye ndave kusecondary paPrize giving day ndakaona vamwe vayiimba pachikoro vachishandisa ma rhythm ekuJamaica zvakabva zvangondinakidza kubva ipapo. Ndakabva ndatangawo kutsvaga ma rhythm asi ayinetsa panguva iyoyo saka taibva tashandisa zvataive nazvo.

Ndipo pandakatotanga kuona kuti zvinhu izvi zvinenge zviri mandiri nekuti handina kudzidziswa uye hazvina kundinetsa. Asi panguva iyoyo ndakange ndisati ndave ne Confidence asi ndakazoita ndichi gainer confidence kuburikidza nekuenda kuStudio .

Ndakave ne first Studio experience yangu yekutanga mugore ra2014 nekuti pamwe pose apa mari dzainetsa.

Ndakatanga ndichishandisa zita rekuti Big G ,panguva yeCovid lockdown mugore ra2020 ndipo pandakasangana nevamwe vaimbi vaive neruzivo rwemimhanzi avo vakandibatsira neruzivo uye nekundisanganisa nevanobatsira vayimbi vachangotangisa.

Mugore ra2021 mushure mokunge ndaita Rebranding ndipo pandakatangawo kuburitsa mimhanzi.

Ndakaburitsa Single yangu yekutanga yainzi Ngatigare murudo ,yakateverwa neinonzi Up and down .

Mugore rimwe chete iroro ndakaburitsa EP (Extended Play ) yekutanga inonzi Royal devotion

Ndakaroburitsa imwe yechipiri inonzi Heart and soul iyo yakabuda mugore ra 2022.

Ose ma EP aya ane nziyo nhanhatu imwe neimwe.

Mugore ra2023 ndakazoburitsazve rwiyo runonzi I have been there .Rwuyo urwu runotaura maererano nezvetsekwende yandakambosangana nayo.

Muna 2024 ndino mandakazogadzira album rangu rinonzi The Revelation rine nziyo gumi nenhatu rakabuda musi wa25 Kubvumbi 2025.

Parwiyo runonzi Zvinodhaka ndakaimba ndichitsigirwa nemuimbi anobva kuBotswana anonzi Chantty Natural ,runova rwuyo runoshoropodza kutora zvinodhaka senzira yekutsiura vechidiki kuti vasaite zvezvinodhaka.

Ndiri kutarisira kusimudzira rwuyo urwu kuburikidza nekuenda kuzvikoro nekuti ndiko kune vechidiki ava.

Matambudziko atinosangana nawo sevaimbi ndeemari ,asi zvakare nyaya ye airplay.

Tine maRadio muMidlands muno umu muGweru ,asi ma Artist atinonzwa ndeekuGweru kunyanya ,isusu zviri kuti remei kuti tiwanikwe nziyo dzedu dzichiridzwa kubva kuneve muKwekwe kana Redcliff.

Kana tikakwanisa kuwana that platform ,seni nziyo dzangu ndedzekudzidzisa , kutsiura kukurudzira, kusimudzira nekudaro ndinotenda kuti kuwaniswa mikana zvinogona kusandura upenyu hwevanhu kuti huvandudzike.

Kukakwanisa kuwanikwa funding yevaimbi tichiita maFestival nema Expo zvinhu zviya zvinoita kuti pave nemanyukunyuku nekusimbisa mabasa avo.


Jeffreymib

14 Aug 2025 05:25 PM

https://t.me/s/onewin_kanal


Connielow

26 Jul 2025 09:07 PM

Greetings! Jolly useful advice within this article! It’s the scarcely changes which liking turn the largest changes. Thanks a lot in the direction of sharing! https://proisotrepl.com/product/domperidone/