11 Feb 25
Gurukota rinotungamira dunhu reMidlands vaOwen ‘Mudha’Ncube vakumikidza midziyo inokosha zviuru zvemadhora ekuAmerica pachikoro che Amaveni High muguta reKwekwe nhasi 11 Kukadzi 2025.
Midziyo yakumikidzwa inosanganisira mudhadhadha une makirasi ekudzidzira uyo wakaita $15 000 Usd ,Bhazi rechikoro iro rakatengwa ne $195 000 Usd ,motikari yemhando yeGD6 yakaita 63 000Usd uye mugodhi wemvura unoshandisa Solar wakaita 1 100 Usd.
VaNcube vatsinhidzira kuti chiitiko ichi idanho rakakosha mukusimbaradzwa kwechikoro ichi maringe nekuvandudzwa kuri kuitwa dzidzo nehurumende inosanganisira kudzidza nekuitwa kwemabasa ,tswakiridzo uye kuvambwa kwemakambani.
Vazivisawo kuti mhemberero dzekuwana kuzvitonga gore rino dzichange dzichiitirwa kuGokwe Nembudziya uko kuri kutarisirwa vanhu vanosvika zviuru zana.