05 May 25
Mutungamiri wenyika vaEmmerson Dambudzo Mnangagwa nhasi 05 Chivabvu 2025 vakumikidza matura matsva muguta reKwekwe
Matura matsva yayo akavakwa nemidziyo nehunyanzvi hwechizvino ari padhepoti reGrain Marketing Board uye anotakura zvirimwa zvetsanga zvinorema matani 56000MT.
Vachitura mashoko avo mutungamiri wenyika vaMnangagwa vati ivo matura nanomwe aya huchapupu hunotaridza kuvandudzika kuri kuitika munezve kurima munyika
chivaka ichi chauya panguva yakakosha zvikuru takatarisana nekusanduka kuri kuita mamiriro ekunze zvoita kuti zvikoshe kuti pave nanzvimbo dzokuchengetera zvekudya