Mashoko pazuva revashandi ra2026 - PRWWUZ


29 Apr 26

Click here to watch video

Mamiriro akaita zvinhu muchikamu chevevekutengeserana (Retail and Wholesale sector) akaoma zvikuru. Vashandi vari kutambura, uye isu tinotenda kuti mhemberero dzeMay Day dzegore rino hadzisi mhemberero chaidzo. Zvichida dzinogona kunzi ingori mazuva ekurangarira, apo vashandi vanofanira kusara kudzimba vachichema nekugomera nekuda kwekuoma kwaita hupenyu hwekushanda muchikamu cheRetail neWholesale muno muZimbabwe.

Isu semubatanidzwa wevashandi (trade union), tiri kurwira kodzero nezvishuwo zvevashandi muchikamu chino. Takasangana nematambudziko makuru; tiri kutarisana nevanamuzvinabhizimusi vane pfungwa dzeuchzvinyange (neo-colonial capitalists) vasina nehanya nehunhu kana kugara zvakanaka kwevashandi vavo. Havana hanya kuti vashandi vavo vanogara kupi, vanodyei—kunyangwe mabhizimusi avo achitengesa zvekudya—kana kuti vanosvika sei kubasa. Havana basa nazvo zvachose.

Tiri kuzviona izvi zvichiitika zvakanyanya kumakambani makuru akaita se Spar Zimbabwe, uko vakuru vekushandiswa kwevashandi (HR) nevatariri vari kuita mabasa ekudzvinyirira mubatanidzwa wevashandi (union busting), kutyisidzira, nekushungurudza nhengo dzedu. Vashandi vari kurangwa nekuda kwekushandisa kodzero yavo yekupinda mumubatanidzwa wevashandi. Vari kunyimwa zvikwereti zvekukwereta mari kukambani (company loans), vachimanikidzirwa kushanda nemakontiraki enguva pfupi (short-term contracts), uye vachitambudzwa nema HR anofanira kunge ari kuvadzivirira. Tsika iyi yekutyisidzira yakagadzirirwa kutyora mweya wemushandi weZimbabwe, asi isu hatizununguki.

Pamusoro pekumhurwa uku, tiri kuona kuparadzwa kwehunhu nemukurumbira wemushandi kwese kwese. Musiyano uripo pakati pemitengo yeZWG yeinterbank nemutengo chaiwo wekurarama unoreva kuti vashandi vezvitoro vari kubata zvinhu mazuva ose zvavasingachakwanisi kutengera mhuri dzavo.

Pamusoro pazvo, kuwanda kwemakontiraki enguva pfupi kunoita kuti vashandi varambe vari mumamiriro ekusaziva remangwana ravo, vachinyimwa chengetedzo yebasa neubatsiro hwenguva refu hwavakashandira neziya ravo.

Parizvino tine National Employment Council (NEC) yezvikamu zvevematengeserana (Commercial sectors) iyo yakapambwa. Mihoro inongoziviswa pasina kubuda pachena. Vanhu vari muindasitiri havazivi kuti ndiani akataurirana nezvemihoro iyoyo kana mamiriro akaiswa pazviri. Izvi hazvigamuchirika zvachose.

Tatora danho semubatanidzwa wevashandi tikanyorera bazi rezvevashandi (Ministry of Labour) tichikumbira kunyoreswa kwe National Employment Council yeRetail neWholesale Sector chete. Tinotenda kuti bazi richiri kufunga nezvechikumbiro ichi uye tinotarisira mhinduro munguva pfupi iri kutevera. Dare iri richabatsira zvikuru mukutaurirana mitemo nemamiriro ekushanda akanyatsotarisa vashandi veRetail neWholesale, tichivaparadzanisa kubva kuNEC Commercial yakazara nemhirizhonga.

Nhoroondo inoratidza kuti zvikamu zvakaita sezvekubhanga, zvekufambisa, nevekuchengetedza (security) zvese zvakazviparadzanisa nekuda kwemhirizhonga iri paNEC Commercial; yave nguva yekuti vezveRetail neWholesale vaite zvimwe chete.

Shoko redu kuvashandi nderekuti: rambai makasshinga, makabatana. Isu tinonyatsoziva kodzero dzenyu, kusanganisira mazuva manomwe (7 days) ekuzivisa nezvekuramwa mabasa akatemerwa pasi pe Amendment No. 11 of 2023. Isu tinogara tiripo kuti tikubatsirei kutaurirana zvibvumirano zvekushanda (CBAs) panzvimbo dzenyu dzekubasa, kusanganisira muzvitoro zvese zveSpar, nezvimwe zvitoro zvese kusvika tave nesangano rine mukurumbira riri pamutemo renyika rinoita izvozvo.

Ndinotenda. Phillip K. Mafundu PRWWUZ General Secretary