Makwikwi a2025 Premier Soccer league akatanga


01 Mar 25

Click here to watch video

Munyori: Tonderai Mari

Mitambo yenhabvu yePremier Soccer league yegore ra2025 akatanga musi wechishanu 28 Kukadzi 2025.

Chikwata chichangopinda mumakwikwi aya cheScottland Mabvuku FC chakakunda che Triangle FC nechibodzwa chimwe chete 1-0 pamutambo yatambirwa munhandare yeRufaro masikati anhasi.

Musi wemugovera 01Kurume 2025 chikwata cheManica Diamonds chichange chichitamba ne Yadah FC munhandare yeSakubva ,Green Fuel ichatamba ne Caps United Fc munhandare ye Green Fuel Arena ,Chicken Inn ichatamba neBikita Minerals kunhandare yeLuveve ,Simba Bhora ichatamba neFC Platinum munhandare yeWadzanai, Kwekwe United ichatamba neNgezi FC munhandare yeBata ,Herentials FC ichatamba neTelone FC munhandare yeRufaro .

Nemusi weSvondo chikwata cheDynamos chichatamba neKariba FC munhandare yeRufaro uye chikwata che MWOS chichange chichitamba neHighlanders munhandare yeBaobab.

Muna 2024 chikwata che Simba Bhora ndicho chakakunda mumakwikwi aya nemapoinzi 66pts uye chaiteverwa nechikwata che FC Platinum icho chaive nemapoinzi 61pts

Mitambo yose iyi inenge ichitanga nenguva dza 1500hrs.

Nyaya yekuvandudzwa kwenhandare dzekutambira nhabvu ndiyo nyaya huru inoda kuti igadziriswe.