MWOS FC yakunda Highlanders pamutambo wayo wekutanga


02 Mar 25

Click here to watch video

Chikwata cheMWOS FC chakunda Highlanders FC pamutambo wacho wekutanga muCastle Lager Premier league watambirwa munhandare ye Baobab nhasi masikati.

MWOS FC yakunda nechibodzwa chimwe chete 1- 0 pamutambo wanga uchinakidza zvikuru.Vatsigiri wechikwata cheMWOS FC vafara zvikuru nematambiro ayita chikwata chavo uye vanotarisira mwaka wakanaka .

Kune umwe mutambo watambirwa kunhandare yeRufaro ,Dynamos FC yaita mangange 0-0 nechikwata cheZPC Kariba FC.