02 Mar 25
Chikwata cheMWOS FC chakunda Highlanders FC pamutambo wacho wekutanga muCastle Lager Premier league watambirwa munhandare ye Baobab nhasi masikati.
MWOS FC yakunda nechibodzwa chimwe chete 1- 0 pamutambo wanga uchinakidza zvikuru.Vatsigiri wechikwata cheMWOS FC vafara zvikuru nematambiro ayita chikwata chavo uye vanotarisira mwaka wakanaka .
Kune umwe mutambo watambirwa kunhandare yeRufaro ,Dynamos FC yaita mangange 0-0 nechikwata cheZPC Kariba FC.