MBRC ne Kwekwe Runners Club vobatana mukurwisa kuurawa kweZvipembere


15 Sep 25

Click here to watch video

Munyori :Tongai Mashonga

Sangano re Midlands Black Rhinos Conservancy (MBRC), richishanda pamwe chete ne Kwekwe Runners Club, riri kuronga Awareness Marathon musi we Svondo 21 Gunyana 2025, ichiitirwa kukurudzira kuchengetedzwa kwechipembere chitema chiri panjodzi yekupera.

Chiitiko ichi chiri kufambirana nemusoro unoti "Mhanya Kure, Chengetedza Chipembere", uye chakabatanidzwa nekucherechedzwa kwe World Rhino Day, pasi pedingindira re "Rhino Revolution", rinotarisa kumisa kuurayiwa kwezvipembere uye kupambwa kubva munzvimbo dzadzo.

Michael Magoronga, mutauriri wechiitiko ichi, akati kuchava ne makwikwi e5km, 10km, ne21km vachimhanya kubva paMuwandi Shopping Centre kusvika ku SCEC Centre, nzvimbo iri pakati peconservancy.

"Vamhanyi vanopfuura mazana maviri vanotarisirwa kutora chikamu kubva kumativi ese enyika.

Tinofara kuona vanhu vachibatana mukurwira kuchengetedza zvipenyu zvedu zvemugungwa nemumasango.’’

‘’ Zvese zvine chekuita nekufambisa vamhanyi kubva Kwekwe CBD kuenda pekutangira, uye kudzoka kubva ku SCEC College zvakarongwa," vakadaro Magoronga.

"Mari yekunyoresa iUSD 20.00 kumakwikwi ese, uye mumwe nemumwe achapihwa race kit rinosanganisira T-shirt ne Medal mushure mekupedza nhambwe yake," vakawedzera Magoronga.

Midlands Black Rhino Conservancy yakavambwa muna 1987 kuti ichengetedze Chipembere chitema . Zvipembere izvi zvakaiswa munzvimbo yepakati penyika kuti zvive zvakachengeteka.

Pakutanga, nzvimbo iyi yaiva ne 63,000 hectares, yakanga yakafukidza maparuzi 14. Zvisinei, nhasi uno, nzvimbo iyi yave kusangana nedambudziko re kupindirwa kwemapurazi zvisina kurongeka, izvo zviri kukonzeresa kukakavadzana pakati pevanhu nemhuka dzesango.

"Chipembere chitema chiri kusangana nemamwe matambudziko zvakare, kwete nepfuti, asi nekushaya nzvimbo. Tinodawo rubatsiro rwekukurumidza mukuchengetedza mhuka idzi," vakatsanangura Magoronga.

World Rhino Day, iyo inocherechedzwa gore roga roga musi wa 22 Gunyana, inoita sechirangaridzo chakasimba chekuti nguva yava yekutora matanho akasimba ekuchengetedza mhuka idzi.

Vanoronga chiitiko ichi vanotarisira kuti kumhanya uku kuchaita kuti ruzhinji ruwedzere kuziva kukosha kwekuchengetedza zvipenyu uye kukurudzira vechidiki kuti vabatane mukuchengetedza nhaka yedu yezvisikwa.