Kurwisana nezvinodhaka kuburikidza nemitambo


04 Oct 25

Click here to watch video

Mayor veguta reKwekwe vaAlbert Zinhanga vakaronga makwikwi emitambo nechinangwa chokurwisana nezvinodhaka mudunhu ravo nenzvimbo dzakakomberedza.

Makwikwi e 2nd Edition of the Kwekwe City Mayor’s challenge Cup Tournament akaitwa nemusi wechishanu 03 Gumiguru 2025 munhandare yeMbizo Stadium.

Mitambo iyi yakaitwa pasi pedingidira rokuti ‘’ Breaking the Chains : Prevention ,Treatment and Rehabilitation for all – Encourage Open Communication about drugs and substance Abuse’’

Gurukota reHurumende rinomirira kugoverwa kwemasimba mudunhu reMidlands vaOwen Ncube ndivo vaive mukokwa anonyarikana.

Mumashoko avo pachiitiko ichi vaNcube vavimbisa kuti hurumende iri kutora matanho akasimbarara ekurwisana kupedza dambudziko rezvinodhaka.

‘’pari zvino pakaparazwa nzvimbo dzaizivikanwa nezvinodhaka dzaisvika makumi manomwe nenhatu (73) mudunhu reMidlands ,izvo zvakaitawo kusungwe vatengesi vezvinodhaka vanosvika mazana matatu nemakumi masere nevatanhatu (386).’’

‘’ndinoda kutenda DISPOL nechikwata chavo vakapaza nzvimbo dzinotengeserwa zvinodhaka pamwe nekutora zvaisanganisira mbanje ,Broncho ,mutoriro nezvimwe zvakasiyana siyana.Danho iri rinofanira kukurudzira mamwe matunhu kuti vaite mazano akasimba ekurwisana nedambudziko iri kufanana nezviri kuitwa kuno.’’ Vakadaro vaNcube.

Dambudziko rezvinodhaka rapinda nemuzvikoro ,vadzidzi vakakurudzirwa kuti vangwarire vasatore tsika iyi sezvo zvichikanganisa utano hwavo.

Zvinodhaka zvokonzera kukwirira kwekuparwa kwemhosva ,urombo ,kusiyira chikoro panzira ,ndufu dzinokonzereswa nezvinodhaka ,uye zvirwere zvepabonde.

Makwikwi aya akakokorodza zvikoro zvesekondari makumi maviri nezviviri ,maPuraimari gumi nemaviri uye zvikwata zvemunharaunda gumi nezvitanhatu.