Kukundikana kweZimbabwe Under 17 Chiratidziro,Kwete urwere


18 Sep 25

Click here to watch video

Munyori : Gatsi Mukombwe

Mutambo wenhabvu weZimbabwe Junior wakambova nechivimbiso -senhanho yakasimba yematarenda inopa kuchikwata chenhabvu chepamusoro.

Asi nhasi, chimiro ichi chadzikira.

Kukundikana kwechikwata cheUnder-17 nguva pfupi yadarika ndicho chiratidzo chakadzama chekusamira zvakanaka,kusarongeka , uye kushaikwa kwemuono kubva kuboka reZimbabwe Football Association (ZIFA).

Kukundikana kwe Under 17 : Chiratidziro , Kwete Chirwere

Kana chikwata cheUnder-17 pachinenge chatadza, mhosva inopiwa kumurairidzi wacho.

Asi kupomera mhosva ku technical staff idanho rinovhara vhara panenge pane nyaya chaiyo : kuparara kwehwaro nemafambisirwo ezvinhu.

Kudzinga varairidzi pasina kugadzirisa zvikanganiso zvinotowedzera dambudziko.

Chokwadi ndechekuti Zimbabwe haina hurongwa hwekuenderera mberi kwenhabvu yevadiki.

Hapana hurongwa hwenguva refu, hapana Academy yenyika, uye hapana kurongeka kunotsigira vatambi vechidiki vachienda pamatanho epamusoro.

Chinofanira Kugadziriswa—Iye Zvino

1. Gadzira National Youth Football Center: Nzvimbo inogara iripo yezvikwata zveU13–U20 ine vashandi vanogara varipo uye nezvirongwa zvegore rose.

2. Shandisa Varairidzi Vanokwanisa: Kushanda nevaimbotambira kunze kwenyika nemarezinesi eCAF kudzidzisa vechidiki vari pasi paTechnical Director.

3. Ongorora uye Kutungamira mashandisirwo emari dzeFIFA: Pave nekujeka uye kutsigira nemari kuzvikwata zvinodzidzisa nhabvu zviri pasi uye kusimudzirwa kwenzvimbo dzavanoshandisa.

4. Gadzira Urongwa Hwekuenderera mberi: Kugadzirisa chikwata chevadiki kuti chive negwara neunyanzvi hwechikwata chenyika.

5. Kusanganisirawo vasikana muhurongwa uhu: kuumba zvimiro zvakaenderana zvekusimudzira vanasikana vechidiki.

Pembe yokupedzisira: Nguva Yemuono, Kwete Zvikonzero

Remangwana renhabvu reZimbabwe rinoenderana nezvatiri kuita nhasi. Kukundikana kweUnder-17 hakusi kurasikirwa chete – asi ichenjedzo.

Tinofanira kumira kufusira makomba ,asi kutanga kuvaka nheyo.

Kana Tanzania ichigona, nesuwo tinogona kuzviita. Asi zvinoda kushinga, kubuda pachena, uye kuzvipira mukurera nekusimudzira matarenda - kwete kugara tichigadzirisa matambudziko.

Ngatirambei tichikurudzira shanduko yehurongwa — nekuti anotevera Musona kana Billiat aripo, akamirira kuwanikwa, kudzidziswa, uye kutenda maari.

Yakanyorwa na

Gatsi Mukombwe

Administrator uye Murairidzi wenhabvu