Ishe Mapanzure vakagadzwa


04 Dec 25

Click here to watch video

Vagari vekwaMapanzure kuZvishavane vakafarira kugadzwa kwaIshe Mapanzure zvizere uye votarisira kutungamirwa kwezvirongwa zvekusimudzira nzvimbo iyi.

Collen Zimhofu akanga akafanobata chinzvimbo ichi kwemakore masere akagadzwa kuve Ishe zvizere musi wa3 Zvita 2025 ,muchiitiko chakakokorodza zviuru kusanganisira vagari venzvimbo iyi ,makurukota ehurumende nemamwe madzishe kubva mumatunhu akakomberedza.

Mutungamiri wemadzishe Ishe Fortune Charumbira vakati ivo madzishe ane basa guru rokuchengetedza tsika nemagariro senhaka yedu apo takatarisana nekuuya kwedzimwe tsika dzisina kunaka kubva mhiri kwemakungwa.