Hurumende yovimbisa Special Presidential Bonus kuvashandi vayo


Gurukota rePublic Service ,Labour and Social welfare vaEdgar Moyo 17 Oct 25

Click here to watch video

Hurumende yakavimbisa kupa vashandi vayo Special Presidential bonus ,zana nemakumi mashanu emari yekuAmerica

Mumashoko akazivisa nemusi wechina 16 Gumiguru 2025 negurukota rinomirira bazi re Public Service ,Labour and Social Welfare vaEdgar Moyo vakati Special Presidential bonus ichavirikwa pamusoro pemari inotambirwa nevashandi vehurumende yebonus pamwe neyepamwedzi.

Mari iyi ichabhadharwa muzvikamu zviviri ,iri madhora makumi manomwe nemashanu pamwedzi waMbudzi nemuna Zvita.

vaMoyo vakati ivo iri idanho rehurumende rokusimudzira pamwe nokucherechedza kuzvipira kunoitwa nevashandi vehurumende mukuita mabasa avo.

Vakavimbisa zvakare kuti pane dzimwe nhanho dziri kutorwa nehurumende kuyedza kusimudzira upenyu hwevashandi dzinosanganisira kuwaniswa kwenzvimbo dzekuvakira dzimba mumaguta.