08 Aug 25
Chikoro chitsva cheGlobe and Phoenix primary icho chiri kuvakwa chave padanho repamusoro kupera izvo zvichabatsira vadzidzi mazana nanomwe nemakumi masere nevashanu avo pari zvino vari kudzidzira mumakirasi ematende.
Izvi zvinoteverawo kushanya kwakaita gurukota rinomirira mutungamiri wenyika nekugoverwa kweufumi mudunhu reMidlands vaOwen Ncube avo vakafarira basa rirukuitwa iri.
‘’ndinocherechedza basa riri kuitwa pano apo pave ne mahofisi nezvimbuzi ,uye makirasi ave padanho rokuiswa denga uye mamwe acho akatoturikwa matenga.’’
‘’Izvi zvinoenderana nehurongwa hwehurumende kuunza vandudzo zvakare kuwaniswa kwemabasa kuvagari vemunharaunda.’’ Vakadaro vaNcube.
Chikoro ichi chiri kutarisirwa kunge chapera munaGunyana 2025 izvo zvichabatsira zvikuru vadzidzi vakawirwa nedambudziko rekuondomokera kwemamwe makirasi avayidzidzira.
Globe & Phoenix chakawirwa nenjodzi yekuondomokera kwemakirasi ekudzidzira mugore ra 2023 apo makorokoza vakachera mwena waidarika nepasi pemakirasi zvakazokonzeresa kuti hwaro hwemamwe makirasi adhirikire.
Hurumende yakabva yavhara chikoro senzira yekudzivirira vadzidzi kuti vasawirwe nenjodzi.
Mabasa ekuchera goridhe akatekeshera zvikuru mudunhu reMidlands uyewo hurumende iri kusimbisa zvirongwa zvekudzivirira kuparadzwa kwemidziyo pamwe nezvivakwa zvakakosha kubva kumakorokoza anoita mabasa zviri kunze kwemutemo.
https://t.me/s/onewin_kanal