Mutungamiri wenyika vaEmmerson Dambudzo Mnangagwa vakanyevenutsa zvisungo maererano nenhanho dzokudzivirira kutapukira kwe Covid-19.
Mumashoko avakatura vemabhizimusi vose vave kutenderwa kuita mabasa avo vachitevedzera zvisungo zveWorld Health Organization.
Voruzhinji vave kukwanisa kufamba nzendo vasina tsamba dzokufambisa
Vezvikoro vari kukurudzirwa kugadzirira kuvhura.
Nzvimbo dzokutandarira kusanganisira mabhawa ,Manightclub nenzvimbo dzekusimbisa muviri zvicharamba zvakavharwa.
Magungano ave kutenderwa vanhu vanhu vasingadariki makumi mashanu,uye pandufu pano tenderwa vanhu vasingadariki makumi matatu.
Nhanho yatorwa nehurumende inotarisirwa kunyevenutsa mamiriro ezvinhu ayo Ange osiya vazhinji vononga svosve nemuromo.
Mutungamiri wenyika anonyevenutsa zvisungo zvelockdown





Mhinduro (0)