Jekeso

Chebundo atendeukira kubato reZanuPF

Chebundo atendeukira kubato reZanuPF
Mutungamiri wenyika ogamuchira nhengo dzatendeukira kubato reZanuPF

Vaimbova nhengo yeMDC-T mudare reparamende vakamirira Kwekwe Central vaBlessing Chebundo vave nhengo yeZanu Pf.

vaChebundo na muzvare Lilian Timvious avo vaive nhengo dzebato reMDC kuMidlands vasanga nemutungamiri wenyika vaEmmerson Mnangagwa nhasi pamuzinda wavo apo vagamuchirwa nemaoko maviri.

Chebundo akaita mukurumbira musarudzo dzegore ra2000 apo akakunda vaEmmerson Mnangagwa musarudzo dzenhengo yedare reparamende.Asi chigaro ichi chakazobvutwa na Masango Matambanadzo mugore ra2013 zvakare mugore ra2018.

Dzimwe nhengo dze MDC dzataura nepepanhau rino dzinoti maitiro ava Chebundo haashamisi sezvo vagara vanga vave kushanda nebato reZanuPf kubvira makare.

'Chobundo ave kungotsvaga pokuduka sezvo agara asisina rutsigiro kubato reMDC,kuZanuPf kwave kungotsvaga mhanza.Asi vakuru vanoti apunyaira haashayi musodzi nokuti dzimwe nguva anogona kubata muramba' yakadaro nhengo yeMDC isina kuda kudomwa zita.

Vanoongorora zvamatongerwo enyika vanoti chiitiko ichi mucherechedzo wekuti bato reZanu PF riri kugadzirira zvizere sarudzo dza2023 ,uye Zanu Pf mudunhu reMidlands iri kutarisirwa kukunda zvine mutsindo sezvo mapato anopikisa asina zvirongwa zvinobatika zvavari kuita.

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau