Nhasi ave makore makumi maviri nemaviri mushure mokunge muimbi Fanuel Nyasha Tazvida ashaya.
Muimbi aive nemukurumbira pamusambo wesungura akashayika musi wa4 Kukadzi mugore ra 1999.
Vatsigiri vemumhanzi wake vanomurangarira somuimbi aive nenziyo dzakapfuma nedzidziso nenyevero youpenyu.
Muimbi akazvarirwa kuZaka mugore ra1968 ,Tazvida aive nechipo chokunyora pamwe nokuimba.
Akaita mukurumbira nenziyo Anodyiwa haataure naMushandi ndimambo izvo zvakaita kuti azivikanwe zvikuru.
Mumakore ekuma 1990s Tazvida nechikwata cheChazezesa Challengers vakabura madambarefu akabudirira zvikuru Rudo tsika nemagariro yakatengesa 20000copies,mutunhu une mago yakatengesa 30000 copies.Chikwata ichi chakaitawo mukurumbira munyika dzakakomberedza kusanganisira kuMozambique uko kwavayienda vachinoridza.
Madambarefu akaburwa na mutazvida ne’ Boyz dzesmoko’ Chazezesa Challengers anosanganisira Rudo Tsika nemagariro 1994,Mutunhu unemago 1995,Wadenha Mago 1996,Watosvorwa 1997,Huni Nyoro Mumoto 1998,Rimi Remoto 1999,System Tazvida & Chazezesa Challengers Hits 2005,The Best of Tazvida Irombe Weshira Singles Collection 2006
Makore makumi maviri ashaya asi nziyo dzake dzichiri kupisa





Mhinduro (0)