Sangano re World Health Organisation musi wechina 28 Ndira 2021 rakati iro muAfrica chikamu chinosvika makumi maviri kubva muzana ndicho chinotarisirwa kubayiwa mushonga wekudzivirira Coronavirus panopera gore rino.
Vanhu vashoma muAfrica ndivo vati vabayiwa jekiseni rokudzivirira Coronavirus zvichienzaniswa neve kune dzimwe nyika dzakapfuma.
Nyika dzemuAfrica dzinoshaya mari yakakwanira kuti vatenge mishonga iyi.
‘’Chinangwa chedu ndechokuti tikwanise kubatsira chikamu chinosvika makumi maviri muzana gore risati rapera.Nevandudzo dzavepo pakugadzirwa kwemushonga unodzivirira coronavirus tiri kutarisira zvikamu zvino svika 600million ‘’ akadaro Richard Mihigo anotungamira nezvezvirongwa zvekudzivirira zvirwere musangano reWHO muAfrica.
Zvino fungidzirwa kuti pangangodiwa zvikamu 1.5 billion zvemishonga unodzivirira Coronavirus kuitira kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana zvavanhu vari muAfrica vawaniswe mushonga unodzivirira uyu.
Pamusangano we Word Economic Forum (WEF) uyo wakaitirwa padandemutande musi wa 26 Ndira 2021,mutungamiri wenyika ye South Africa vaCyril Ramaphosa vakatsoropodza nyika dzakapfuma idzo dzayitenga mishonga yakawandisa zvaizoita kuti idzo dzisina dzisare dzakabata maoko chete.
Africa ine vanhu vashoma vakabatwa nedenda reCoronavirus uyewo vanhu vakafa zvichienzanisa nenyika dziri kuAmerica neEurope.
Zimbabwe yakazivisa kuti yakaunganidza mari inosvika 100million yokutenga mushonga wekudzivirira coronavirus .





Mhinduro (0)