Jekeso

Hurumende yawedzera mazuva eLockdown.

Hurumende yawedzera mazuva eLockdown.
Dr CGDN Chiwenga

Hurumende yawedzera nemasvondo maviri paLevel 4 National lockdown.

Izvi zvakonzerwa nekukwirira kwehuwandu hwevanhu vari kubatwa uye kufa nedenda reCovid-19.

Level National lockdown yanga ichiguma kupera kwemwedzi waNdira 2021, asi yave kuzosvika musi wa15 Kukadzi 2021.

Hurumende yati iyo iri kushushikana nematambudziko ari kusangana neveruzhinji ,asiwo zvakakosha kuti upenyu hwevanhu huchengetedzwe.

Voruzhinji vanokurudzirwa kutevedzera zvose zvine chokuita nokudzivirira denda reCovid-19 kusanganisira kuvhara muromo nemhino,kugeza maoko nesipo pamvura ino chururuka,kuchengetedza chimhambo uye kuvhenekwa chirwere ichi

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau