Bazi redzidzo yePuraimari neSekondari rinoramba mashoko okuti zvikoro zvichavhurwa musi wa 15 Kukadzi 2021.
Mashoko ange achitenderera padandemutande ayiti ,zvikoro zvaizovhurwa musi wa 15 Kukadzi 2021 kuitira kuti varairidzi pamwe nevana vechikoro vagobayiwa mushonga wokudzivirira chirwere che Covid-19.
Bazi iri rakati ,hurongwa hwedzidzo yegore rino huchaziviswa nekufamba kwenguva ,uye zvikoro zvinoramba zvakavharwa pari zvino.Mashoko ekuvhurwa kwezvikoro achaziviswa nenzira dzakafanira dzokufambisa mashoko mubazi iri.
Kutapukira kwechirwere cheCovid-19 kwakaita kuti hurumende itore danho rokunonoka kuvhura zvikoro senzira yokudzivirira vana vechikoro uye neveruzhinji.
Pari zvino vanhu vanosvika chiuru nezana nevatatu (1 103) vakashaya kubva patanga chirwere ichi .
Voruzhinji vanokurudzirwa kuti varambe vachitevedzera kurudziro yokupfeke ma Mask ,kugeza maoko nesipo pamvura inoyerera uye kuchengetedza chinhambo.
Mumazuva adarika hurumende yakazivisa kuti ine hurongwa hwekuzotenga mishonga yokudzivirira denda reCovid-19 uye ichatanga nekupa kuvashandi vehurumende vanosanganisira vashandi vezvoutano,nhengo dzeparamende nevanochengetedza nyika .





Mhinduro (0)