Jekeso

Mugwagwa weGokwe rave riva

Mugwagwa weGokwe rave riva
Mombe dzino yambuka mugwagwa dzisina mutarisiri

Mugwagwa unobatanidza Kwekwe neGokwe rave riva nekuda kwemombe dzinoyambuka mugwagwa dzisina vanotarisira.

Mombe zhinji dziri kufa dzichi rohwa nemotokari mazuva akatevedzana izvo zvopinzawo panjodzi vanoshandisa mugwagwa uyu.

Nzvimbo dzino nyanyokutyisa kubva paTiger Reef kusvika paBhobhisi Business centre.

Vanoshandisa mugwagwa uyu vari kushungurudzika zvikuru sezvo izvi zvichivapinza munjodzi huru.

Mutungamiri wekanzuru yeZibagwe vaFarai Machaya vakaratidzawo kushushikana nedambudziko iri.

‘’Tichayedza kukurudzira varimi vari pedyo nemugwagwa mukuru uyu kuti vachengetedze zvipfuwo zvavo ,sezvo zvichiyisa panjodzi upenyu hwevanoshandisa migwagwa’’ vakadaro vaMachaya.

Vachitaura nepepanhau reJekeso ,vanotungamira mune zvekufambiswa kwemashoko kuTraffic Safety Council of Zimbabwe (TSCZ) vaTatenda Chinoda vakakurudzira kuti varimi vatarisire zvipfuwo zvavo uye kuti vatyairi vangwarire kana vachifamba munzvimbo zvikuru dzokumaruwa

‘’zvipfuwo hazvitenderwi pedyo nemigwagwa ,varimi vanofanira kutarisira zvipfuwo zvavo kuburikidza nekuisa ruzhowa .’’

‘’Tine chirongwa chokupa maWeekly Alerts kune voruzhinji ,senzira yokuyambira vanoshandisa migwagwa yakasiyana munyika’’ vakadaro vaChinoda.

Hurumende yakatendera vafambi venzendo refu mushure mokunge yambomisa nzendo idzi senzira yokudzivirira kutapukira kwechirwere cheCovid-19

Vanahwindi muguta reKwekwe vaikurudzira vabereki kuti vanamate kuitira kuti vafambe zvakanaka pamugwagwa weGokwe.

‘’Tsaona dziri kukonzerwa nemombe dziri kurohwa pamugwagwa uno batanidza Kwekwe neGokwe ,zvave kutyisa .' akadaro mumwe hwindi asina kuda kuzivikanwa zita rake.

Kushaikwa kweruzhowa ndicho chikonzero chikuru chinoita kuti mombe dziwanikwe dzichimberereka mumigwagwa, zvikuru panguva dzousiku.

Bazi rekufambisa , rinokurudzirwawo kuti vaise zvinyorwa zvinooneka kuyambira vanoshandisa mugwagwa kuitira kuderedza njodzi.

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau