Kereke ye Word Alive Restoration Ministries iyo iri kuRedcliff yopa vana vasina pokugara zvokudya semucherechedzo wokurangarira vanoshaya munharaunda dzinogara veruzhinji.
Apostle Mathew Zulu avo vanotungamira sangano iri vanoti, zvakakosha zvikuru kuti parangarirwe vana vanogara mumigwagwa uye kana zvikwanisika vatsvagirwe pokugara pane mutsigo.
Apostle Zulu vakati ivo mumwe vevafundisi mukereke yavo Pastor Hawa Salade ndivo vakauya nemufungo uyu wokubatsira vana vasina pokugara.
‘’muguta reKwekwe katakwanisa kuwana vana gumi vane mazero anotangira pamapfumbamwe kusvika pamakore gumi nemasere vatiri kubatsira.
‘’Pari zvino tiri kukwanisa kupa vana ava zvokudya kaviri pasvondo sezvo homwe yedu ichiri duku,asi tiri kutarisira kuti zvichaenda zvichivandudzika nekufamba kwenguva.’’
‘’ Takakwanisawo kutora mwana mumwe chete kuti tigare naye ’’. Vakadaro Apostle Zulu.
Vana vasina pokugara vanosangana nematambudziko makukutu muhupenyu hwavo ,anosanganisira kutora zvinodhaka kana kubatwa chibharo.
‘’Vana ava havana maBirth Certificate zvinowedzerawo nhamo yavo zvokuti kana vanoda kuenda kuchikoro kana kutsvaga mabasa zvinogozha.’’
‘’ vanoswerera kupemha nekuputa zvinodhaka,nokudaro vanoda rubetsero rwedu kuitira kuti navo vagove neremagwana rakajeka.’’
Ibasa reKereke kutarisira vanotambura.Hazvina kunaka kudekara ipo paine vana vari kushaya chouviri vari mumigwagwa.Kereke inofanira kuita tsvagiridzo yechizvikonzero zviri kuita vana vawanikwe vari mumigwagwa.





Mhinduro (0)