Mapurisa eZRP ayambira kuti vachange vachisunga motokari dzinofamba mumigwagwa dzisina maRegistration Plates.
Izvi zvinotevera mashoko akatsinhidzirwa neve Central Vehicle Registry (CVR) kuti vane mirwi yemaplates uye anoita madhora makumi masere( USD$80) emari yekuAmerica.
Assistant Commissioner Paul Nyathi vakakurudzira vatyairi kuti vave muenzaniso wakanaka nokutyaira motokari dzakanyoreswa zviri pamutemo sezvo izvi zvichibatsira kuchengetedzwa kwemutemo nekugadzikana munyika.
Motokari zhinji dzinenge dzisina maRegistration Plates dzinowanzo kushandiswa nenhubu kupara mhosva dzakafanana nokuba vakapakatira pfuti ,uyewo vamwe vanenge vapara mhosva dzemumigwagwa vanotiza voshaikwa zvachose.





Mhinduro (0)