Mabharani wedare reparamende nezuro 27 Chikunguru 2020 akazivisa kumiswa kwemabasa edare iri zvichitevera mhengo mbiri dzedare iri dzakabatwa neCovid-19.
Mumashoko avo mabharani akataridza kushushikana zvikuru nechiitiko ichi, zvakarewo vakazivisa kuti pane mutyairi uye mutori wenhau vakabatwawo nechirwere ichi apo chikwata ichi chaitenderera munyika vachishanyira matunhu akatsaukana.
Kushandazve kweParamende kuchazoziviswa nekufamba kwenguva ,sezvo pari zvino vachamboongorora mamiriro ezvinhu.
Hurumende yakatora nhanho dzakasimba senzira yokudzivirira kutapukira kwechirwere cheCovid-19.Kutapukira kwechirwere ichi kuvanhu vasina kumboyambuka miganhu yenyika kuri kuramba kuchikwirira zvikuru (local transmission).
Pari zvino huwandu hwevanhu vakabatwa nechirwere ichi hwave kudarika zviuru zvivi uye makumi matatu nevatanhatu vakashaya nekuda kwechirwere ichi.





Mhinduro (0)