Homela anoti haatsigiri kuratidzira kuri kuda kuitwa kupera kwemwedzi sezvo kuchipinza vanhu panjodzi uye kwakarongwa nembimbindoga.
‘’ini saHomela ndinopikisana ne demonstration iri kuda kuitwa musi wa 31 Chikunguru ,nokuda kwechikonzero chokuti ,kutapukira kuri kuita chirwere cheCovid 19 hakusi kuderera asi kuri kuramba kuchiwedzera.’’
‘’Nokudaro kuti vanhu vaite demonstration zvinowedzera mikana yokutapukira kwechirwere ichi’’
‘’Chimwe chikonzero ndechokuti vanhu vari kudaidzira demonstration iyi vanenge vane zvinangwa zvavo zvisineyi nebudiriro munezveupfumi hwenyika ,asi kuti vari kurwira zvinzvimbo zvematongerwo enyika.’’
'Zvirinani vanhu vazvigarire havo mudzimba dzavo sekurudziro iripo kuitira kuti chirwere cheCovid-19 chisarambe chichitapukira.'akadaro Homela.
Alex T. Homela ndiye Secretary General weKwekwe Rate payers Association.
Asi vamwe vane miono yakasiyana neya vaHomela vanoti ikodzero yezvizvarwa zveZimbabwe kuti varatidziore vachitsutsumwa pamusoro pezvavanenge vachiona kuti hazvisi kufambiswa zvakanaka munyika.
‘’Hurumende ngaisatora mukana wokumbunyikidza kodzero dzevanhu ,vachihwanda nemunwe weCovid 19.Vanhu vari kutambura nokushaya zvokudya ,mishonga kuzvipatara ,huwori ,uye kushaikwa kwemabasa.’’,akadaro mumwe mugari wemuKwekwe asina kuda kudomwa nezita rake.
Mazuva adarika ayo mutungamiri wenyika vaEmmerson Dambudzo Mnangagwa vakaisa matanho akasimbarara anosanganisira kurambidzwa kufamba kwevanhu kubva nguva dza 6PM kusvika na6AM senzira yokurwisana nokutapukira kwechirwere cheCovid-19.





Mhinduro (0)