Vaimbove mutungamiri wenyika yeTanzania vaBenjamin William Mkapa vashaya nhasi 24 Chikunguru 2020 mangwanani muchipatara chiri muDar es Saalam.Mutungamiri wenyika iyi vaJohn Magufuli vazivisa mashoko aya asi havana zvizhinji zvavakaburitsa pachena .
VaMkapa (81) avo vakave mutungamiri wenyika iyi wechitatu muna 1995 - 2005 ,vaiyizivikanwa zvikuru nezvirongwa zvokuunza runyararo mumatunhu mazhinji muAfrica.
'Ndichavarangarira nerudo rwavo rukuru kunyika yavo ,kuzvipira nekushanda zvakaomarara kusimudzira upfumi hwenyika’’ vakadaro vaMagufuli.
VaMagufuli vatura mashoko ukuti nyika ichachema vaMukapa kwemazuva manomwe.
Zvichakadaro mutungamiri wenyika yeZimbabwe vaEmmerson Dambudzo Mnangagwa vatumirawo mashoko enyaradzo kumutungamiri wenyika yeTanzania vaJohn Magufuli





Mhinduro (0)