Jekeso

Bvunzo dzekupera kwegore dzotarisirwa gore rinouya

Bvunzo dzekupera kwegore dzotarisirwa gore rinouya

Bvunzo dzevana vechikoro dze Grade 7,Olevel neAlevel dzekupera kwegore dzingangonyorwe gore rinouya,sezvo vanoona nezve bvunzo veZIMSEC vachitarisira kuti vadzidzi vanofanira kutanga vapedza zvidzidzo zvavo zvakakwana.

Izvi zvinotevera mashoko akaziviswa nedare reCabinet svondo rapera zvokumbosendeka kuvhurwa kwezvikoro izvo zvaive zvakatarisirwa musi wa28 Chikunguru 2020 ,sedanho rokuyedza kudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid 19.

Mutevedzeri wegurukota rebazi rePuraimari neSekondari vaEdgar Moyovakati mazuva ebvunzo anovepo zvichienderana kuti zvikoro zvavhurwa rini.

‘’zvakagozha pari zvino kuziva mazuva ekuvhurwa kwezvikoro zvichitevera kutapukira kuri kuita Covid 19 pari zvino.Kuderera kwazvo ndiko kuchaitawo kuti zvizivikanwe kuti zvikoro zvinovhurwa rini’’ vakadaro.

Sangano revadzidzisi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe PTUZ rakanyorera bazi rePuraimari neSekondari kuti dai zvaibvira bvunzo idzi dzinyorwe munaKukadzi gore rinouya.

Huwandu hwevanhu vari kubatwa neCovid 19 huri kuramba huchikwirira ,musi wa19 Chikunguru vanhu vanosvika Chiuru nemazana matanhatu negumi nerimwe vakabatwa nechirwere ichi , uye makumi maviri nevashanu vakashaya.

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau