Hurumende yambomisa kuvhurwa kwezvikoro uko kwange kwakatarisirwa kupera kwemwedzi uno nechikonzero chekukwirira kuri kuita vanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19.
Izvi zvakabuda pamusangano veCabinet wakaitwa musi wechipiri 14 Gumiguru 2020.Dare iri rakati kuvhurwa kwezvikoro kuchatevera sanduko inenge yavepo pachirwere ichi , asi kune avo vari kunyora bvunzo yachaenderera mberi.
Vachitura mashoko kubva pamusangano uyu gurukota rezvekufambiswa kwemashoko nekutepenyura muzvare Monica Mutswangwa vakati ivo hurumende ichasimbaradza zvikuru nzira dzokudzivirira kupararira kwechirwere ichi ,zvikuru munzvimbo dziri kuwanikwa chirwere ichi Harare neBulawayo.
Vabereki vazhinji vagamuchira danho sezvo zvichidzivirira vana zvikuru vari pamatanho ari pasi ekupuraimari.
‘’Vana vedu vazhinji havagoni kuswera vakapfeka mafacemask nguva refu,uye kuchengetedza social distance richiri dambudziko guru sezvo vazhinji vacho vachifarira kutamba ‘’ vakadaro muzvare Priscilla Runyararo mugari wemuKwekwe.
‘’Kurudziro iripo ndeyekushandisa nzira dzechizvino zvino dze Online kuitira kuti vana vasasaririre muzvidzidzo zvavo panguva ino yeLockdown ‘’akadaro Runyararo.
Chirwere cheCovid 19 chavhiringidza zvikuru mabasa evanhu uye nebudiriro yezveupfumi munyika zhinji pasi rose.Munyika dziri nechokuchamhembe kweAfrica dzakatarisana nematambudziko makukutu enzara uye matambudziko akakonzereswa nekusanduka kwekunze eCylone Idai zvakasiya vanhu vazhinji varasikirwa nehupenyu nemidzidziyo inokosha zviuru zvemamirioni emadhora.





Mhinduro (0)