Murimi wekwaRusape kuMayo ,Chiendambuya arasikirwa nemombe dzake idzo dzakaurawa nembavha dzezvipfuwo .
Mombe gumi nesere dzaonekwa dzakavhiyiwa mangwanani anhasi ,ndokusiyiwa matehwe zvemukati nemitumbi isina nyama.
Izvi zvakaitikira chinhambwe chiduku kubva pamusha wemurimi uyu.
Mbavha dzenyama dziri kuwanda zvikuru ,apo nyama zhinji iri kutengeswa mumaguta nemadhorobha akakomberedza mapurazi nemisha yevarimi.





Mhinduro (0)