Jekeso

Hurumende yotarisira kumutsiridza Zisco

Hurumende yotarisira kumutsiridza Zisco

Hurumende inoti ine hurongwa hwekumutsiridza kambani yeZisco zvakare uye ichitarisira kuti ichazenge ichishanda kudarika zvayaimbove makore adarika.

Gurukota rinoona nezvemaindustry Doctor Sekai Nzenza vanoti hurumende yatangazve humwe hurongwa kwekutsvaga vekushanda navo kukambani yeZiscosteel iyo yave nemakore yakavharwa ichitadzawo kubhadhara vashandi vayo mari.

Mavhiki apera Doctor Nzenza vakagadzika bhodhi idzva kuti riedze kumutsiridza kambani iyi

Asi vainge vakabata chigaro chasachigaro webhodhi iri Muzvinafundo Gift Mugano vakabva vasiya basa nekusawirirana nemamwe makurukota ehurumende vachiti havawirirane nepfungwa yekuti vasataure nevatori venhau nekuti ndisachigaro wekambani yehurumende.

VaFarai Karonga vakagadzwa saCEO kutsiva chinzvimbo chaimbove navaAlois Gowo avo vakamira basa kutanga kwegore rino.

VaKaronga ndimazvikokota mune zve Mining Engineering uye vakamboshandira makambani akaita seRio-Zim (Pvt) Ltd ne Zimbabwe Mining Development Corporation ( ZMDC)

Ziscosteel yakambonyorerena chibvumirano nekambani yeEssar yekuIndia asi hapana chakabuda.

Kusashanda kwekambani iyi kwakadzorera kumashure tarisiro yebudiriro mudunhu reMidlands zvikuru guta reKwekwe neRedcliff.

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau