Lazarus Chakwera anogadzwa somutungamiri wenyika ye Malawi mushure mokukunda musarudzo idzo dzakadzokororwa.
Akakunda uyo aimbova mutungamiri wenyika iyi Peter Mutharika ne58.57% emavhoti akaitwa musi weChipiri,Komishini yesarudzo yakazivisa musi wemugovera.
Muna Kukadzi,dare guru munyika iyi rakasendeka parutivi kukunda kwavaMutharika musarudzo dzakange dzaitwa muna Chivabvu gore radarika 2019, apo vakaona kusafambiswa kwakanaka kwesarudzo idzi.
Vachitaura mukugadzwa kwavo vakavimbisa zvizvarwa zvekuMalawi kuti ivo vachabatanidza nyika uye kurwisa nyaya dzehuori.
‘’nguva yasvika yokuti timuke kubva kuhope asi kuti tirarame ,kuzadzikisa zviroto zvedu’’
VaMutharika Havana kukwanisa kunge vari pakugadzwa kwavaChakwera sezvo mutemo wenyika iyi isingatenderi kuti kutungamiri arikusiya basa ange ari pakugadzwa kwemutungamiri mutsva.
Lazarus Chakwera mutungamiri webato re Malawi Congress Party (MCP) uye mufundisi.
Musarudzo Chakwana ayi tungamira mubatanidzwa wemapato mapfumbamwe,mumubatanidzwa wainzi Tonse Alliance ,uye paive nerutsigiro rwe vaimbova mutungamiri wenyika iyi muzvare Joyce Banda pamwe chete neayimbove mutevedzeri wavaMutharika vaChilima.





Mhinduro (0)