Mapurisa nevatori venhau vakapembedza kudyidzana kwavo uko vakati kuri kutora gwara rakanaka.
Mashoko aya akabuda pamusangano wakaitwa muguta rekwekwe musi wa25 Gumiguru 2023.
Musangano uyu wakarongwa nesangano re Media Institute of Southern Africa (MISA Zimbabwe) uyine donzvo rokuongorora ukama nekudyidzana kwemapurisa nevari mune zvekutorwa kwenhau ,zvikuru pachitariswa kudyidzana kwavo panguva yesarudzo dzakaitwa muna Nyamavhuvhu.
Vatori venhau vakati ivo mudunhu reMidlands havana kusangana nematambudziko mukuita basa ravo zvichienzaniswa nemamwe makore adarika .
Mumashoko avo vakamirira vatori venhau muKwekwe sachigaro weMISA Kwekwe Chapter , Polite Ndlovu akati ivo havana nhengo dzakashungurudzwa kana kusungwa nemapurisa pasarudzo dzadarika.
‘’tinoda kutenda ukama huripo pakati peMapurisa nevatori venhau sezvo tisina nhengo dzakashungurudzwa kana kutadziswa kuita basa panguva yesarudzo dzadarika.’’
Mupepeti webepa nhau reMidlands Obsever, Chipo Gunde akati naye pave nesanduko inoonekera
‘’tinocherechedza sanduko iyi ,nokuti zvasiyana nezvayisimboitika kare.’’
Mutauriri mukuru weMapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vakati ivo vanopembedza ukama hwakanakisa hwavepo pakati pemapurisa nevatori venhau.
Mumashoko avo okuparura hurukuro iyi Assistant Commissioner Nyathi vakati ivo Kuremekedzana mukushanda kwakakosha zvezvo vose Mapurisa neVatori venhau vaine donzvo rokuchengetedza nekusimudzira veruzhinji.
Vakati ivo vatori venhau vane basa rakakosha rekufambiswa kwemashoko echokwadi pakati peMapurisa neveruzhinji.
Vakakurudzira vatori venhau kuti varambe vachitsigira zvirongwa zvakafanana nekurwisana nezvinodhaka ,nyaya dzekutyorwa kwemitemo yemumigwagwa ,kuba vanhu vakapakatira zvombo pamwe nekurwisana nemabhemba munharaunda dzakasiyana.
Vakasimbisa kuti hukama uhu hunounza budziriro munyika uye kuchengetedzeka kweveruzhinji.
Munguva yadarika Mapurisa nevatori venhau vaiwanzoita hwemakonzo nekatsi ,izvo zvayisiya vatori venhau vazhinji vaine mbonje dzokurohwa kana kuvharirwa muchitokisi.
Sangano rinoshanda nevatori venhau reMISA Zimbabwe rakaona zvakakodzera kuti pave nekushandidzana kwakanaka kuburikidza nezvirongwa nemisangano nevakuru vemapurisa nyika yose.
Zvibereko zvemisangano iyi ndizvo zviri kupembedzwa.





Mhinduro (0)