Jekeso

Mvura ine dutu inoparadza midziyo mudunhu reKwekwe

Mvura ine dutu inoparadza midziyo mudunhu reKwekwe

Mvura ine duku pamwe nechimvuramambwe yakapurana zvine simba ikaparadza dzimba nemidziyo mudunhu reKwekwe.

Mvura iyi yakanaya musi wa17 Gumiguru 2023 kunze koda kunoedza yakasiya vazhinji vasina pokubata sezvo dzimwe dzimba dzakafurunyurwa marata uye miti imwe ichiwira zvivakwa.

Mumusha unogara veruzhinji weMbizo ,dzimwe dzimba dzakafurunyurwa matenga ndokusiya vanhu vari pamhene pamwe nemidziyo yavo.

‘’ mvura yakanaya nezuro yakatityisa ,kunyange hazvo yakanaya kwenguva pfupi asi yakaparadza zvizhinji’’

‘’ini ndakapeputswa nemvura yainaya zvine mutsindo ndokumhanya kunotarisa vana kune mamwe ma rooms ,asi zvaityisa sezvo rima rainenge rakati tiba magetsi ayinge ayenda’’’akadaro Esnath Foromah .

Developing story.

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau