Mhemberero dzekucherechedza zuva remagamba reNational Heroes Day dzichange dzichiitirwa panzvimbo yemarinda yeNational Heroes Acre musi wa 14 Nyamavhuvhu 2023.
Gurukota rinoona nezvekufambiswa kwemashoko muzvare Monica Mutsvangwa musi wechipiri ,mushure memusangano wedare remakurukota vakazivisa kuti mhemberero idzi dzichacherechedzwa pasi pedingindira rinoti Kurangarira magamba – Nyika inovakwa nevene vayo / iLizwe lakhiwa ngabanikazi balo ’. Mutungamiri wenyika vaEmmerson Dambudzo Mnangagwa ndivo vachatungamirira mugungano iri.
Zuva iri rakakosha sezvo richibatanidza nemhuri yeZimbabwe mukurangarira vazhinji vakapira upenyu hwavo vachirwira rusununguko rwenyika ino.
Magamba yaya ndiwo akaita kuti zvikwanisike kuti nhasi vana veZimbabwe vakwanise kunge vachiwana ivhu ravo iro rakanga rakapambwa nevapambepfumi.
Hurumende yanhasi iri kushingairira mukusimbisa zvirongwa zvekuvakurudza madhamu uye zvirongwa zvekurima nemadiridziro.
Pari zvino Zimbabwe yave kukwanisa kurima zvokudya zvinoikwanira uyewo kurwisana nedambudziko renzara rinokonzerwa nekusanduka kwekunze.
Mhemberero idzi dzinouyawo ao nyika yakatarisana nesarudzo idzo dzichange dziriko musi wa23 Nyamavhuvhu 2023.
Veruzhinji vanokurudzirwa kuchengetedza runyararo senzira yokuremekedza mabasa makuru akabatwa nemagamba erusununguko
.




Mhinduro (0)