Bazi rinoona nezvekufambisa nekugadzigwa kwemigwagwa rakazivisa kuti rine hurongwa hwekuparura chitamba chitsva chevatyairi vedzimotokari uhwo hwave padanho repamusoro hunoenderana nezvimisikidzo zvinotarisirwa nedzimwe nyika mudunhu reAfrica.
Chitamba ichi chichange chiri chemhando yePlastic kutsiva chesimbi icho chagara chiripo.
Danho iri rinosimudzira nokuvandudza chitamba chevatyairi kuti chive chinoenderana nezvinotarisirwa nedzimwe nyika dziri mudunhu reSADC pamwe neCommon Market for Eastern and Southern Africa (COMESA).
Gurukota rebazi iri vaFelix Mhona vakati vakatora danho iri kusimudzira uye muvandudza maitirwo nemafambisirwo ebasa kuti njodzi dziderere mumigwagwa.
Chitamba ichi chichange chichibuda ipapo mushure mokunge mutyiri abudirira mukuedzwa kwake neveVID.





Mhinduro (0)