Jekeso

Cholera yakauraya gumi nevashanu

Cholera yakauraya gumi nevashanu

Hurumende yakazivisa kuti vanhu gumi nevashanu vakashaya nechirwere chemanyoka cheCholera munyika yose kubva zvachatanga gore rino.

Vachizivisa mashoko aya mudare remakurukota rakaitwa musi wechipiri 06 Chikumi 2023 vaive vakamirira gurukota rezveutano Hon J.M Gumbo vakati chirwere chemanyoka chakauraya vanhu gumi nevashanu.

Chirwere ichi chakaonekwa kumatuhu ose ari gumi ,asi chakanga chakanyanya kukwirira kumatunhu eHarare ,Manicaland neMatebeleland South uko kune zvikamu (83%) makumi masere nezvitatu kubva muzana zvichienzaniswa nenyika yose.

Vanhu vakafa muHarare (3) ,Manicaland (8) Mashonaland Central (2) ,Mashonaland west (1) neMasvingo (1).

Hurumende inoti inohurongwa hwekuona kuti veruzhinji vawaniswa mvura nepokugara pakashambidzika.

Vanhu vanosvika 154 317 vakabatwa nechirwere chemanyoka ichi mudunhu reAfrica uye 2 747 ndivo vakashaya.

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau