Jekeso

Sarudzo musi wa 23 Nyamavhuvhu

Sarudzo  musi wa 23 Nyamavhuvhu

Mutungamiri wenyika vaEmmerson Mnangagwa nhasi vazivisa zuva richaitwa sarudzo dzokushara Mutungamiri wenyika,nhengo dare reparamande pamwe neva miriri mumakanzura kuti richava musi wa 23 Nyamavhuvhu 2023.

Mugwaro rehurumende ,mutungamiri wenyika vazivisa zvakare kuti musi wa 21 Chikumi 2023 richange riri zuva rokudoma mazita eavo vachange vachizokwikwidza musarudzo idzi.

Izvi zvinoparura zvirongwa zvekutsvaga rutsigiro kwemapato ari munezve matongerwo enyika .

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau