Sangano rinomirira makereke munyika re Zimbabwe Council of Churches (ZCC) rakashoropodza mhirizhonga yezvematongerwo enyika yakaitika kwamurehwa mazuva adarika.
Mugwaro ravo iro rakanyorwa musi wa 10 Ndira 2023 , iro raikurudzira kuremekedzwa kwehunhu pamwe nehupenyu ,sangano iri rinoti ririkushushikana nemashoko emhirizhonga akaitika munzvimbo yekwa Bhunu (Ward 4) kwaMurehwa North .
Vanhu vasere ,pakati pavo paine vakwegura ,avo vanofungidzirwa kuti vatsigiri vebato rinopikisa re Citizen Coalition for Change (CCC) vakazvambaradzwa zvakaipisisa vachipomerwa mhosva yokuita musangano wezvematongerwo enyika.
Sangano iri rinoti chiitiko ichi chinogona kuve munengedzero wezviitiko zvemhirizhonga zvinogona kuvepo zvikuru takatarisana nesarudzo gore rino.
‘’Kereke inotsoropodza zviitiko zvemhirizhonga uye mutowo wakaipa wezvematongerwo enyika.Kereke inoda kuyeuchidza nyika kuti tiri vanhu vamwe,mhuri imwe ,tiri shamwari ,tiri vavakidzani tisati tave mhengo dzezvematongerwo enyika’’ vakanyora kudaro mugwaro ravo.
Zvichakadaro Mapurisa eZRP vakazivisa kuti pave nevanhu vatatu vakasungwa zvichitevera mhirizhona iyi ,iye vamwe vachiri kutsvagwa kuti vagomiswa pamberi pematare edzimhosva.





Mhinduro (0)