Mukuru wevatongi vematare edzimhosva munyika, Justice Luke Malaba, vanoti matare munyika ari kurwisa huwori kunyange hazvo paine vamwe vari kugunun’una kuti ari kukundikana.
Vanoti pari zvino pane mhosva dzehuwori dzinodarika zana nemakumi mana dziri mumatare uye dzimwe dzacho dzakatopera kutongwa.
Vachiparura kushanda kwematare kwegore rino ,musi wa 09 Ndira 2023 vari muHarare , VaMalaba vakati huwandu hwenyaya dzehuwori huri mutare hunoratidza kuti mapurisa pamwe nevachuchusi vari kuita basa ravop nemazvo. Vakati matare anoshanda akazvimirira asingaudzwe zvekuita uye mitongo yawo inofanira kuremekedzwa
.VaMalaba vakati kana vachuchusi vakaramba kuroverera munhu mhosva kana pasina humbowo kumatare, mamwe mapazi ehurumende akaita semapurisa kana Zimbabwe Anti-Corruption Commission haafaniri kupindira munyaya idzi.
Vakaenderera mberi vachishorawo mamwe magweta ayo vati anoshoropodza matare.
VaMalaba vakati vanofara kuti kushandisa michina yechizvino zvino pasi pechirongwa chavo cheIntergrated Electronic Case Management Systeme kwave kuita kuti nyaya dzitongwe nekukasika.
VaMalaba vakatiwo apo nyika yatarisana nesarudzo, zvakakosha kuti mapato ezvematongerwo enyika aone kuti dzaitwa murunyararo.
Vakati matare anotarisa kuti mutemo utevedzwe munguva yesarudzo vachiti izvi ndizvo zvega zvingaite kuti munyika muve nesarudzo dzisina mhirizhonga.voa





Mhinduro (0)