Mapurisa akabatana neveTraffic Safety Council of Zimbabwe vari kukurudzira vanhu kuti vatevere mitemo yemumugwagwa apo nyika yatarisana nezororo rekisimusi negoredzva sezvo vanhu vakawanda vachirasikirwa nehupenyu munguva iyi.
Vachitaura nevatori venhau muHarare nhasi, VaMunesu Munodawafa vanoshanda kuTraffic Safety Council of Zimbabwe vaudza vatori venhau kuti tsaona zhinji dziri kuitika munyika dzinodziviririka.
VaMunodawafa vati sezvo pachiita tsaona dzakawanda munguva yezororo, vatotumira vanhu kuti vadzidzise vatyairi uye kusunga vanotyora mutemo.
Vachitaurawo pamusangano uyu, mutauriri wemapurisa, Assitant Commissioner Paul Nyathi vatiwo zororo regore rino ratanga zvakaipa sezvo kubva musi weMugovera kusvika nhasi vanhu makumi maviri vatorasikirwa nehupenyu mutsaona dzemumigwagwa.
Vatiwo vachatora matanho akasimba kune vanotyora mitemo yemumigwagwa. Mashoko aya anotevera kufa kwakaita vanhu vatanhatu pavanhu vasere vaive mumota diki yerudzi rweHonda Fit yakaita tsaona nezuro mumugwagwa unobva Harare kuenda kuBulawayo.
Vafambi vakurudzirwawo kushandisa mota dzinotakura veruzhinji dzinotenderwa kwete kukwira mishika shika isina mapepa.





Mhinduro (0)