Hama dzemurume wekupondwa pamberi pevana vake musi wemuvhuro 10 Gumiguru 2022 dzoramwa chitunha kune vari kufungidzirwa kuti ndivo vakamuponda , munzvimbo yaChief Gwesela kuZhombe.
Emmanuel Ushe uyo ayive nemakore makumi mashanu nemasere okuberekwa akarwiswa pamwe chete nevanakomana vake vaviri mushure mokunge aramba nematombo ake egoridhe.
Hama dzemushakabvu dzakatora chitunha dzikaenda nacho pamisha yose ine avo vaifungidzirwa kuti vaive neruoko zvakakonzera kufa kwehama yavo.
Nemusi wechina 13 Gumiguru 2022 chitunha chemurume uyu chakasiyiwa pane mumwe musha munzvimbo yasabhuku Nkululeko
Vanhu vasere vari kupomerwa nyaya yokuponda iyi ,uye hama dzirikuda kuripwa mombe makumi maviri nepfumbamwe.
Mombe ina nembudzi ina ndidzo dzakange dzaunganidzwa musi weChishanu 14 Gumiguru .
Ishe Gwesela nemachinda avo ndivo vainzi vari yananisa nyaya iyi kuitira kuti mushakabvu agoradzikwa.
Hatina kukwanisa kunzwa rutivi rwavo sezvo nharembozha vavo yanga isingapinde.





Mhinduro (0)