Jekeso

Imhosva kusapfeka Mask munzvimbo dzinosangana veruzhinji

Imhosva kusapfeka Mask munzvimbo dzinosangana veruzhinji

Hurumende musi wechishanu 07 Gumiguru 2022 yakazivisa mutemo (statutory Instrument 169 0f 2022 ) unosungira veruzhinji kuti vange vakapfeka mamask nguva dzose dzavanenge vari mukati mezvivakwa ,panzvimbo dzinosangana veruzhinji kusanganisira mumakombi nemumabhazi.

Avo vanenge vakabayiwa nhomba kanokwana kaviri ndivo vatenderwa kunge vasina kupfeka ma mask kana vachinge vari panze pezvivakwa

Mutemo uyu unouyiswa sedanho rokudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Munzvimbo zhinji mumadhorobha nekumaruwa vamwe vanga vorega kupfeka ma mask aya vaine fungidziro yokuti chirwere ichi hakuchina.

Zvakadaro kuvepo kwemutemo uyu kunoreva kuti vanenge vasina kuutevedza vanenge vapara mhosva .

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau