Hurumende yotsigira mabasa ezvekurima kuburikidza nokupa varimisi zvimidhudhudhu uye nemisangano yekurodza pfungwa nezivo yavo.
Munyori mukuru mubazi rezveminda nekurima vaJohn Bhasera vanoti madhumeni vakakosha zvikuru mukuvandudza mabasa ekurima munyika.
‘’Asi naizvozvo kuti tikwanise kuvandudza mabasa ekurima muZimbabwe ,tine zvombonoro imwe yakakosha yenyaya yokusimudzirwa kwemadhumeni , kupiwa capacity kuitira kuti vazoenda kunze uko kuvarimi vonopakura ruzivo ruzere ,ruzivo rwakanaka rwokuti varimi votora sei kurima sebhizimusi ’.’
‘’Varimi muno muZimbabwe vakangotora kurima sebhizimusi chete taenda senyika ,tatobata nzendo dzedu , tabata destination yedu ye vision 2030.’’
‘’naizvozvo sehurumende takatora danho rakakosha rokupa midhudhudhu kuvarimisi vedu nokuti makore apfuura ayo ,varimisi ava vaifamba nzendo dzinopfuura 20km pazuva kuti anobatsira varimi nokuvapa ruzivo nezvimwe zvakadaro’’
Kubudikidza nerutsigiro rwavaMnangagwa vakatitengera seMinistry zvimudhudhudhu zvinozvika 6 000 ,uyewo takaparura zvirongwa zvema refresher courses kuitira kuti varimisi vakwanise kunopakura ruzivo rwakazara ‘’ vakadaro vaJohn Bhasera.





Mhinduro (0)