Mutungamiri wenyika vakazivisa kuti makereke ave kutendera kuchivhura asi pachi cherechedzwa matanho okuti vanhu vachengetedze social distancing nedzimwe nzira dzinodzivirira kutapukira kwechirwere che Covid 19.
VaMnangagwa vakataura mashoko aya panhepenyuro yeterevhizheni apo vakati musi weMuvhuro 15 Chikumi richange riri zuva reminamato nekutsanya kuti Mwari varwire nyika kubva kudenda reCovid 19.Vakati ivo kereke ine basa guru mukurwisa denda nokupararira kweCovid 19.
‘’Ndinoda kucherechedza kuti vatungamiri vemakereke vakakosha mukudzivirira kupararira kweKoronavirusi.Tichienda mberi kana vanhu vachiungana nechinamgwa chokunamata havafaniri kunge vachidarika makumi mashanu panguva imwe chete, uyewo vanotarisirwa kuti vacherechedze zvose zvinechokuita nekudzivirira kupararira kwechirwere ichi’’vakadaro mutungamiri wenyika.
Hurumende yakambenge yamisa kuungana kwevanhu vakawanda senzira yokuderedza kutapukira kwechirwere ichi.





Mhinduro (0)