Jekeso

Dumwa puu pakati peguta

Dumwa puu pakati peguta

Vanotengesa nharembozha pamavharanda ezvitoro muguta reKwekwe vakasara vasina romuromo mushure mokunge mumwe vavo adonhesa mari yaive yakasungirirwa shizha uye yakamonerwa neshinda tsvuku.

Chiitiko ichi chakaitika nemusi wechipiri masikati panosangana migwagwa pedyo nechitoro cheNaran.

Vazhinji vari kufungira kuti idumwa sezvo mari iyi yakazongokaruka yanyangarika mushure mokudirwa munyu.

Vanoshandira pedyo nenzvimbo iyi vanoti vakomana vechidiki vari kukwikwidzana mukushanda asi vamwe vavo vave kushandisa nzira dzechikiribidi kuti vawane mari zhinji vachishandisa madumwa.

‘’vechidiki vazhinji panzvimbo ino vave kubata bata nenyaya yokusada kusarira ,uye kuti vaonekwe kuti vane mari’’ akadaro mumwe wechidiki anoshandira panzvimbo iyi asina kuda kudomwa nezita.

‘’Vakawanda vari pano vamwe vanotozivikanwa kuti vane zvinorema zvinogara mumotokari dzavo’’akadaro murume wechidiki uyu.

Mumwe wechikuru akati kazhinji panodonha dumwa panenge paita mumwe ane rine simba anenge ari pedyo

Nguva yadarika muguta reHarare kwakabuda mashoko okuti vamwe vari kutengesa zvigumwe kuti vaite mari kunyange hazvo pasina akabuda pachena muzviitiko izvi.

Zvichiri kufungidzirwa kuti vechidiki vemazuva ano vari kusarudza kunoromba kuitira kuti vaite mari zhinji pamwe nemukurumbira.

Asi vakuru vanokurudzira kudya zveziya sezvo zvisingazokonzeri matambudziko mumhuri .

Pfuma inowanikwa nekuromba haina kunaka nokuti inokonzera matambudziko kune vasina mhaka.

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau