Kutengeswa kwemarasha kubva kuSouth Africa kuenda kunyika dziri kuEurope kwakakwirira kanopetwa kasere pamwedzi mitanhatu yegore rino ,zvichienzaniswa negore rapera nokuda kwekudiwa kuari kuitwa zvichikonzerwa nezvirango zvekutengeserana zvakapiwa kunyika yeRussia.
Mashoko aya akabudiswa nekambani inonzi Thungela Resources iri munyika yeSouth Africa inoona nezvekutengeswa kwemarasha kune dzimwe nyika.
Nyika dzekuEurope dzakamira kutenga marasha ekuRussia zvichiteverwa kupinda kwayakaita muUkraine muna kubvumbi gore rino.
Nyika idzi dzaisitenga marasha zvikamu zvinosvika makumi mana nemashanu kubva muzana (45%)kubva kuRussia ,dzakatanga kutsvaga marasha aya kubva kunedzimwe nyika dzinosanganisira Colombia,Australia,United States pamwe neSouth Africa.
Netherlands,Germany,Poland,Denmark,France,Italy neUkraine ndedzimwe nyika dziri kutenga marasha zvine uwandu kubva kunyika yeSouth Africa .
Pamwedzi mishanu yokutanga gore rino,nyika dzekuEurope dzakatenga marasha anosvika matani mamiriyoni matatu (3 million tonnes) kubva kunyika yeSouth Africa.Izvi zvinodarika chikamu makumi mana (40%) yemarasha akatengwa gore ra 2021.





Mhinduro (0)