Hurumende yazivisa kunyevenutswa kwemurau unosungira voruzhinji kupfeka mamask.
Gurukota rezvekufambiswa kwemashoko muzvare Monica Mutswangwa vazivisa nhasi musi wa16 Nyamavhuvhu 2022 kuti avo vakabayiwa majekiseni okudzivirira nhomba yeCovid-19 vachange vasingachasungirwi kupfeka maMask panze ,asi kuti vanenge votarisirwa kutakura kadhi rinotaridzira kuti ivo vakabayiwa nhomba.
Mumagungano anoyitirwa pakavharika mukati nezvivakwa ,veruzhinji vanokurudzirwa kunge vakapfeka mamask.
Kuderera kwaita chirwere cheCovid-19 munyika ndiko kwaita kuti danho iri ritorwe.





Mhinduro (0)