Jekeso

Mapoka ezvenhau anozeya Media Practitioner Bill

Mapoka ezvenhau anozeya Media Practitioner Bill

Mapoka ane chekuita nekutapwa pamwe nekufambiswa kwenhau vakapeta musangano wemazuva maviri wanga wakanangana nebhiri remashandiro evatori venhau reZimbabwe Media Practitioners Bill, uyo wanga uchiitirwa kuKadoma.
Musangano uyu uyo wakatanga musi wa11 Nyamavhuvhu 2022 unonzi wabuda nezviga zvinonzi zvichabatsira mukukwenenzverwa kwebhiri iri risati raenda kuparamende.
Vamwe vanga vari kumusangano uyu vanosanganisira gurukota rezvekufambiswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vashandi vekuhofisi yavo, nhengo dzeparamende, vekuhofisi yegweta guru rehurumende, makomishina eZimbabwe Media Commission, nevamwe vane chekuita nebandiko iri.
Mukuru weMISA-Zimbabwe, VaTabani Moyo, avo vapindawo mumusangano uyu, vanoti vabvumiranawo zvakare kuti kubatwa kwebasa rekupepetwa kwenhau kuchange kwakamira sei, uye kuzoumba Zimbabwe Media Practitioners Council, iyo inenge ichizounza vezvenhau pamwechete.

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau